` KUDZIDZA HAKUPERI
ZVACHOSE
LIANA MABIKIRE
Mamiriro ebhuku
Chikamu Zvirimubhuku
◦1 ◦Mitinhimira
dzinoshanda
nevara rimwe
chete
◦2 ◦Mitinhimira
dzinishanda
nemavara
akawanda
◦3 ◦Tsumo
nezvadzinoreva
◦Fananidzo
◦4
nezvadzinoreva
◦Nyaudzosingwi
◦5 nezvadzinoreva
◦6 ◦Madimikira
nezvaanoreva
Mitinhimira inoshanda
nevara rimwe chete
◦Mitinhimira yekutangisa pane
dzose : Aa Ee Ii Oo
Uu
◦Aa Bb Cc Dd Ee Ff
Gg Hh Ii Jj Kk Mm
Nn Oo Pp Rr Ss Tt
Uu Vv Ww Yy Zz
◦Pamitinhimira yedu
yeChishona hatina mavara
anenge Ll , Qq , Xx .
Mitinhimira dzinoshandisa
mavara akawanda
◦BH , CH ,
Dh, Nz ,
Nzv , Nzw ,
Pf , Ts ,
Tsv , Tsw ,
Ts , Ty ,
Zv , Zw,
Tsumo
nezvadzinoreva
1. Rega zvipore akabva mukutsva – munhu
anodzikama nekuona nhamo
dzaakambosangana nadzo .
2. Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi -
anechinhu chidiki arinani pane asina
3. Tsuro haipone murutsva kaviri - munhu
anogara achiita zvakaipa anodzamara abatwa .
4. Dzawira mutswanda hadzichanetsi kunhongera
- Kuwana chinhu usina kutambudzika kuti
uchiwane .
5. Kuwanda huuya museve wakapotera
pamuzukuru - kana vanhu vari vazhinji
vanogona kukurira mhandu .
6. Zino idema rinosekerera newarisingade -
kuratidza munhu seunomuda asi usingamude
7. Zano pamnwa uine rako – kana uchitsvaga
njere kune umwe unofanira kunge uine njere
dzako wega .
8. Kumaziva ndadzoka - kuenda kunzvimbo
inotyisa yekuti unogona kunofirako
9. Murombo haarovi chine nguwo – kana
wavakubudirira wobvawawirwa nedambudziko
zvawakaronga zvotadza kubudirira .
10. Kuzova imbwa wakaviga mupini – kuhwandira
11 . Nyadzi dzinokunda rufu –
kunyara kushaya zvokuita .
12 . Takabva neko kumhunga hakuna
ipwa – hapana chakanaka kana
chakaipa chaungaudza kune munhu
akamboita zvaunenge uchiita
13 . Chinikanganwa idemo asi muti
watemwa haukanganwi
- atadza anogona
kukanganwa waatadzira asi atadzirwa
hambofa akazvikanganwa .
14 . Mbeva zhinji hadzina marishe –
kana vanhu vakawanda pabasa
Hapana chinobuda .
15 . Chisi hachieri musi wacharimwa –
chakaipa hachibudi
pachinenge chaitwa chinogona
kuzobuda patopera nguva .
16 . Rine manyanga hariputirwe –
Hapana chaunokwanisa kuita
chakavanzika chikasa buda .
17 . Kukara kununa hudya kamwe -
kutsikira vamwe kuti ubudirire .
18 . Aridza mhere atya – munhu
anobvuma kukundikana
19 . Kutiza makumbo - kuenda
kumurume wausina kubvisirwa pfuma .
20 . Imbwa nyoro – munhu
anonyebera kunyarara asi iye ari
nhubu
Fananidzo
nezvadzinoreva
◦Kuchena semukaka
◦Kurwisa semvumba
◦Kunaka sengirozi
◦Kunhuwa sechidembo
◦Kurarisa sechitunha
◦Kumhanya zvekusiya mhepo –
kumhanya zvikuru
◦Kuruta sebere - kukara
◦Kusviba setsubvu
◦Kuchena semwedzi wechirimo
◦Hanganwa sedzegunguwo
Hutsinye senyoka inoruma
chaisingadye
◦Kureba setwiza
◦Kutsuka semhiripiri
◦Kupona nepaburi retsono
◦Anovheyesa maziso
serwaivhi
◦Kungwarira paduri sehuku
Nyaudzosingwi
nezvadzinoreva
Mwanda – kutiza
Tuzu – kutarisa kwenguva
yakareba usingabwaire
Bherengende – kuvhura
Rukutu - kuneta
Tekeshe – kuwanda
Tumbi - kumira panzvimbo
imwe chete
Wekee – kuchena chaizvo
Ndoo – kusviba chaizvo
Piriviri kutsvuka
Dzvii – kubata chinhu
zvinemasimba
Dzvamu – kubvuta zvinesimba
Madimikira nezvaanoreva
Tsiye nyoro - kuva netsitsi
Zai regondo – mwana anozvarwa
ari oga mumhuri
Meso meso – kuva neruchiva
Kuva nepamuromo pasinga
mharwi nenhunzi - kutaurisa
zvinosvota vamwe
Kuita ruoko - kuba
Kuvaneruoko rwegudo – kurova
vamwe
Kutsenga mvura - kudada
Kubvunda serutsanga rwuri
mumvura - kudedera
Kuva memoyo murefu - kukwanisa
kumirira chinhu usingate zvinhu
zvako uchimhanya
DZIDZO
INOVAKA
HUPENYU
Kuverenga bhuku iri kunobatsira vanu kuti
vanzwisise ChiShona zvichibva mukuziva
mitinhimira nezvirungamutauro