Mutauro CHIREVAMWENE 2
Mutauro CHIREVAMWENE 2
-Chinoratidza ukama pakati pezita riri kutaurwa nepfungwa iri kutsanangurwa kana zvimwe zvinhu zviri
kutsanangurwa
-Ukama hunobuda hunoratidza muridzi wechinhu,basa rechinhu kana mhando yechinhu nezvimwewo
skt i) vana vaamai ii) mari yechikoro
iii)hari yevhu
Maumbirwo echirevamwene
y- + -e- + -chikoro
r- + -a- + -ko
Tinogona kuti
ye- + -chikoro
ra- + -ko
-Muchiwedzerwa chimwe ichi hapana chashanduko itsva inobuda nokudaro sungawirirani yacho imwe
chete.
Madzitsi echiremwene
Basa rechirevamwene
i) kuratidza muridzi wezvinhu (ownership) skt sadza rasekuru, mbudzi yaamai pamusha paVaRwodzi
ii) kuratidza basa rechinhu skt mugomo wemvura, kapu yeti,banga rechingwa
iii)kuratidza magadzirirwo echinhu –apa tinotsanangura chakagadzirisa chinhu skt mari yebepa ,kapu
yesimbi, hari yevhu
iv) kuratidza unhu kana tsika dzevanhu skt murume wenyambo, chikomana chekutamba, musikana
wekuba
v) mhando yechinhu –apa tinotarisa rudzi rwechinhu skt mwana wemuhondo ,mombe yetsiru,doro
rengoto,mbudzi yemasungiro
vi) kuratidza munogara chinhu/zviri mukati mechinhu skt mabhegi remabhuku ,gaba redovi,gaba
reshuga